Waenda Mtukudzi (Tribute to Tuku)

GUEST POET: AUSTIN KARONGA


Makati Vhunze Moto,
Ichokwadi nhasi matipisa neVhunze Remoto Samanyanga.
Todii nhai Nzou Samanyanga zvamaenda?

Nhasi misodzi inongove Mutserendende pamatama nemuhana dzedu,
Nyadenga vatora Nzungu Imwe Yavo,
Vakutorai muchiimba rwiyo rwenyu ruya "Hear MLord"

Imi mati Ndima Ndapedza, Ndasakura Ndazunza,
Madambarefu makumi matanhatu nenhanhatu mumakore makumi matanhatu ne nhanhatu
(66 Albums in 66 years,)
Sarawoga rikave damba refu renyu pamakasvitsa makore makumi matanhatu,
Ko taizivei kuti pamakore makumi matanhatu nenhanhatu muchaenda musina kuoneka,
Heya Hear Me Lord wakava munamato wakanonoka kutambirwa,
Nekuti imi penyu mainge masakura Mazunza kare,
Matisiya, Matitsvata Samanyanga.
Nhasi Zimbabwe Tabika Mbodza vaMutukudzi
Tozvibvunza "Zvauya Sei"

Tsimba Itsoka. Tirikumaona matsimba makumi matanhatu nenhanhatu,
Heyo Nhava yeruzivo makaimba,
Makati tichingete tsika dzedu,
Makati kupfuma ishungu,
Shungu kushanda,
Matisiya tiri Mubindu reZimbabwe, 
Mubindu ndiko kuti kushanda. 

Ndiko kuenda Dande kwamaireva nhai Nzou Samanyanga?
Ndiro Zindoenda here iri ramaita?
Makati Usaore Mwoyo Neria, heya mainge maona zviri mberi kare,
Nhasi tisu Neria taizivei zvedu, wekurambira hapana.
Zvakarwadza zvikabaya pamoyo paakaenda wenyu nevanji Samson,
Wenyu mwana akanatsa akakuimbirai Mweya, nekuti akanga aona kuti ake mazuva
Panyika ave mashoma,
Zvakakutorera makore matatu kuti muzvitambire ndiko kuzonyora Sarawoga,
Ko zvino Sarawoga isu makatiudza kuti kwaiva kureva kuenda Kwa Samson,
Nyamba maitoti kuna Daisy Mbabvu yenyu nevana Samantha, Selmor na Sandra Saraimoga

Comments

Popular posts from this blog

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Gejo

Nyika Ine Vanhu Vakawanda