Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai
Hama dzine moyo yakaipa kudai ndidzo chete
dzatasara nadzo
Dzingava hama dzeropa, dzeganda,
dzechitendero kana dzezvenyika
Chadzo kuda kuona isu tese tichitambura,
pasina kana chedu chinopfakanyika
Zvikaramba zvakadai, hapana kwatiri kuenda,
irikuparara nyika
Dzavo dzimba vanopfirira nekupfurunura
dzavamwe
Dzavo huni, matanda nembariro zvakavaka
dzimba dzevamwe
Chavo chikuwe, chimbo cherufu pamisha
yevamwe
Hapana chavo kana pasina chashaikwa nevamwe
Kutambudzika kwedu, kwavari imhiko,
vakatoita zvekupikira
Chese chingatitambudza, nyangwe chikaita
kure sei, vangatochifambira
Havadi kuti isu vamwe tibudirire,
vanoshuwira kutiona isu pasi tichiwira
Vanofara kwazvo, kana isu vamwe tese
tikashaya Nyadenga chaakatisikira
Kana vaenda kumberi, hakuna anofanira
kutevera
Pavanocheuka, wese wavaona arikuda
kuvapindira
Kuita chavasina kufunga ivo, kutori
kuvakanganisira
Mukabatana pachenyu, kwavari ihondo,
matovapandukira
Huipi hwemoyo yavo, vakafugidza
nekunyengera
Ukaswera navo, vanenge vachitokusekerera
Asi nhamo yako chivezwa kana chiumbwa
chavo, vanotochikwenenzvera
Munzira yehupenyu, pese pawabondera, ivo
vanotopemberera
Tsinga dzavo dzakati tandara simba risina
simba rezvakanaka
Nyangwe ukapfakanyika sei, zvako zvese zvakamira,
hapana chakanaka chinofamba
Mupfungwa dzavo makati ndandanda kuzara
mabasa asina basa rakanaka
Nokuti chese chavafunga marwadzo, havadi
udzane kana kupembera
Hama dzine moyo yakaipa kudai, ndidzo chete
dzatasara nadzo
Idzo dzaive nemoyo chena dzakatisiya kare
ndidzo dzaitipa donhodzo
Idzi dzakatikomberedza nhasi, chadzo
kungofunga kutidonhedza
Hapana chedu chakanaka chavanoona
vakasafunga kuchiparadza
Asi nyangwe zvakadaro, tese tikaramba
takashinga, nesuwo tichapemberera
Chakaipa chavakabata mumaoko nekupfimbika
mumoyo, mangwana chichavapandukira
Chikafu chehudzvanyiriri chavakadya nemvura
yehutsinye yavakanwa zvichichavazvimbira
Hungwanda ngwanda hwezvedu zvose
zvavakapamba, mumaoko medu zvichadzokera
Comments