Posts

Showing posts from August, 2022
Image
  Mjolo By Tendai Kamhungira Ko ndaizivei, kusvinudzwa hakuna ndakura Vanongokuvhevhetedza vokusiya wagunduruka Chava chirungu mufunge Zvakare zviya zvasara Hanzi wava kunzi mujolo Ko ini ndanga ndichakaputirwa nechiSolo naMutsai Ko ndazivei kuti pasi rapinduka Yangove hello hello Munhu otoshandurwa pfungwa Wekare nezvakare zvasara, hanzi kudhara ikoko Kuzoti ko nhai mwanasikana tiri papi Hanzi papi pawakandiisa Anenge zvino atorwa nembinga dzeHarare Vagara muHarare havarare Havarare musi wavamuka Asi ukaona vamuka woziva kuti zvaendwa Kuenda chaiko, chizvino zvino Haa mazino wangu Mari ndiyo yotonga, zvaMwari chaizvo Kutotenda wapinda musvitsa tsvene Wapinda, kubuda mahara Imiwe vakafa havana chavakaona Asizve regai vazorore Nekuti kufa kuzorora