Bako Rine Nyoka



 GUEST POET: BRIAN KAZUNGU



Zvirinani dzinyorove mbatya dzawakashonga
Pane kuhwanda mvura uchipinda mubako rine nyoka
Shinga famba, famba shinga, kwauri kuenda unosvika
Pavari usamira, vane moyo inenge mapako enyoka

Igaroziva kuti muhupenyu mukutambudzika uchadzidza
Asi usapotera kwavari, nokuti hwako hupenyu vakatoshamira kumedza
Yako nhamo, kwavari muto, vanotoseva ne sadza
Ukafara, kwavari irima, havachaone chinovadekadza

Kugadzikana pavari, gara hako watotadza
Nokuti chiripo ripotyo, vachakuruma ukatandaza
Saka kubva pavari, pfumbura guruva kusvika kukuona vatadza
Pavachazoziva kwawakaenda, newewo, matura emufaro unenge watozadza

Varipo vane moyo inenge mapako enyoka, vakatoti farara nenyika
Saka chenjera, ngwara, svinura, pepuka, usapinde mubako rinenyoka
Usanyengedzwa nekwavo kusekerera, vakatoshamira kukumedza
Vanorwadziwa kwazvo vakaona kuti iwe uri mhare, wakabengenuka

Pese pawangoti baa kuvaona, pavari gara watotaramuka
Nokuti mungadziya hamo mubako rinenyoka, asi haungagaremo wakasununguka
Ganda ravo idzva, hausi hutsanana, kuvhunura kwavo kana iwe wamedzeka
Kubudirira nekufara kwavo, ndokunge zvako zvese newe matsakatika

Saka zvirinani dzinyorove hadzo mbatya dzawakashonga
Pane kuhwanda mvura uchipinda mubako rine nyoka
Chenjera vanhu ava vane moyo ne mashoko anenge mate enyoka
Vakakumedza kana kukusvipira, ganda kana chimiro chako vanosiya zvaporongeka



Comments

Popular posts from this blog

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Gejo

Nyika Ine Vanhu Vakawanda