Bako Rine Nyoka
Zvirinani dzinyorove mbatya dzawakashonga
Pane kuhwanda mvura uchipinda mubako rine
nyoka
Shinga famba, famba shinga, kwauri kuenda
unosvika
Pavari usamira, vane moyo inenge mapako
enyoka
Igaroziva kuti muhupenyu mukutambudzika uchadzidza
Asi usapotera kwavari, nokuti hwako hupenyu
vakatoshamira kumedza
Yako nhamo, kwavari muto, vanotoseva ne
sadza
Ukafara, kwavari irima, havachaone
chinovadekadza
Kugadzikana pavari, gara hako watotadza
Nokuti chiripo ripotyo, vachakuruma ukatandaza
Saka kubva pavari, pfumbura guruva kusvika
kukuona vatadza
Pavachazoziva kwawakaenda, newewo, matura
emufaro unenge watozadza
Varipo vane moyo inenge mapako enyoka,
vakatoti farara nenyika
Saka chenjera, ngwara, svinura, pepuka,
usapinde mubako rinenyoka
Usanyengedzwa nekwavo kusekerera,
vakatoshamira kukumedza
Vanorwadziwa kwazvo vakaona kuti iwe uri
mhare, wakabengenuka
Pese pawangoti baa kuvaona, pavari gara
watotaramuka
Nokuti mungadziya hamo mubako rinenyoka,
asi haungagaremo wakasununguka
Ganda ravo idzva, hausi hutsanana,
kuvhunura kwavo kana iwe wamedzeka
Kubudirira nekufara kwavo, ndokunge zvako
zvese newe matsakatika
Saka zvirinani dzinyorove hadzo mbatya
dzawakashonga
Pane kuhwanda mvura uchipinda mubako rine
nyoka
Chenjera vanhu ava vane moyo ne mashoko
anenge mate enyoka
Vakakumedza kana kukusvipira, ganda kana
chimiro chako vanosiya zvaporongeka
Comments