Makandioneiko Nhai Mwari?



 GUEST POET: BRIAN KAZUNGU


               
Munhu Akachenjera Munhu Akangwara
Makandioneiko nhai Mwari, kundipa huchenjeri hwakadzama kudai?
Makandioneiko nhai Mwari, kundipa njere dzakarodza kudai?
Makandioneiko nhai Mwari, kundiita mhare yamazvirokwazvo kudai?
Makandioneiko nhai Mwari, kundionesa zvakavanzika kudai?
Nekuda kwechamakaona pandiri Mwari, ndinoti misi yose kudzwai

Munhu Ane Chiso Ne Chimiro Chakanaka
Makandioneiko nhai Mwari, kundipa runako rwakadai?
Makandioneiko nhai Mwari, kundiita mhenya yakadai?
Makandioneiko nhai Mwari, kundiita tsvarakadenga yakadai?
Makandioneiko nhai Mwari, kundiumba zvinoshamisa kudai?
Nekuda kwechamakaona pandiri Mwari, ini nemoyo wose ndinokudai

Munhu Arimurudo Rwunodekadza
Makandioneko nhai Mwari, kundipa mudiwa anemoyo wakanaka kudai?
Makandioneiko nhai Mwari, kundipa chido chemoyo chakanaka kudai?
Makandioneiko nhai Mwari, kundipa mudiwa anerudo rwunodekadza zvakadai?
Makandioneiko nhai Mwari, kundipa mudiwa akandikwanira zvakadai?
Nekuda kwechamakaona pandiri Mwari, ini misi yose ndinokunamatai

Munhu Akaropafadzwa/Munhu Akakomborerwa
Makandioneko nhai Mwari, kubva mandiropafadza kudai?
Makandioneiko nhai Mwari, kuti chese chandabata chinobudirira zvakadai?
Makandioneiko nhai Mwari, kuti kwese kwandaenda ndinogamuchirwa kudai?
Makandioneiko nhai Mwari, kuti kwese kwandabva vanondisuwa zvakadai?
Nekuda kwechamakaona pandiri Mwari, ndinoti ne mbiri yose garai

Munhu Akaponeswa Pamatambudziko
Makandioneiko nhai Mwari, kundinzvengesa nzira dzewakaipa kudai?
Makandioneiko nhai Mwari, kundirirwa panjodzi zvakadai?
Makandioneiko nhai Mwari, kundirwira kuvavengi vakawanda kudai?
Makandioneiko nhai Mwari, kundibvumbatira pahondo dzerima kudai?
Nekuda kwechamakaona pandiri Mwari, nekusingaperi, pachituro chehumambo garai




Comments

Popular posts from this blog

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Gejo

Nyika Ine Vanhu Vakawanda