Makandioneiko Nhai Mwari?
Munhu Akachenjera Munhu Akangwara
Makandioneiko
nhai Mwari, kundipa huchenjeri hwakadzama kudai?
Makandioneiko
nhai Mwari, kundipa njere dzakarodza kudai?
Makandioneiko
nhai Mwari, kundiita mhare yamazvirokwazvo kudai?
Makandioneiko
nhai Mwari, kundionesa zvakavanzika kudai?
Nekuda
kwechamakaona pandiri Mwari, ndinoti misi yose kudzwai
Munhu Ane Chiso Ne Chimiro Chakanaka
Makandioneiko
nhai Mwari, kundipa runako rwakadai?
Makandioneiko
nhai Mwari, kundiita mhenya yakadai?
Makandioneiko
nhai Mwari, kundiita tsvarakadenga yakadai?
Makandioneiko
nhai Mwari, kundiumba zvinoshamisa kudai?
Nekuda
kwechamakaona pandiri Mwari, ini nemoyo wose ndinokudai
Munhu Arimurudo Rwunodekadza
Makandioneko
nhai Mwari, kundipa mudiwa anemoyo wakanaka kudai?
Makandioneiko
nhai Mwari, kundipa chido chemoyo chakanaka kudai?
Makandioneiko
nhai Mwari, kundipa mudiwa anerudo rwunodekadza zvakadai?
Makandioneiko
nhai Mwari, kundipa mudiwa akandikwanira zvakadai?
Nekuda
kwechamakaona pandiri Mwari, ini misi yose ndinokunamatai
Munhu Akaropafadzwa/Munhu Akakomborerwa
Makandioneko
nhai Mwari, kubva mandiropafadza kudai?
Makandioneiko
nhai Mwari, kuti chese chandabata chinobudirira zvakadai?
Makandioneiko
nhai Mwari, kuti kwese kwandaenda ndinogamuchirwa kudai?
Makandioneiko
nhai Mwari, kuti kwese kwandabva vanondisuwa zvakadai?
Nekuda
kwechamakaona pandiri Mwari, ndinoti ne mbiri yose garai
Munhu Akaponeswa Pamatambudziko
Makandioneiko
nhai Mwari, kundinzvengesa nzira dzewakaipa kudai?
Makandioneiko
nhai Mwari, kundirirwa panjodzi zvakadai?
Makandioneiko
nhai Mwari, kundirwira kuvavengi vakawanda kudai?
Makandioneiko
nhai Mwari, kundibvumbatira pahondo dzerima kudai?
Nekuda
kwechamakaona pandiri Mwari, nekusingaperi, pachituro chehumambo garai
Comments