Posts

Image
  Mjolo By Tendai Kamhungira Ko ndaizivei, kusvinudzwa hakuna ndakura Vanongokuvhevhetedza vokusiya wagunduruka Chava chirungu mufunge Zvakare zviya zvasara Hanzi wava kunzi mujolo Ko ini ndanga ndichakaputirwa nechiSolo naMutsai Ko ndazivei kuti pasi rapinduka Yangove hello hello Munhu otoshandurwa pfungwa Wekare nezvakare zvasara, hanzi kudhara ikoko Kuzoti ko nhai mwanasikana tiri papi Hanzi papi pawakandiisa Anenge zvino atorwa nembinga dzeHarare Vagara muHarare havarare Havarare musi wavamuka Asi ukaona vamuka woziva kuti zvaendwa Kuenda chaiko, chizvino zvino Haa mazino wangu Mari ndiyo yotonga, zvaMwari chaizvo Kutotenda wapinda musvitsa tsvene Wapinda, kubuda mahara Imiwe vakafa havana chavakaona Asizve regai vazorore Nekuti kufa kuzorora  

SaMutoko

Image
BY KEVIN BENJAMIN                                                           Nhaiwe SaMutoko unondinzwa?                                               Sahwira Newewo machembere                                                                       Wafawanaka hero shoko.                                               Soko. Ko kuzenge kupira gotsi?                                               Mukati mashaya mawere?                                               Zvisinei tasvitsa maoko.                                               Iri pano moto.                                               Kwanzi uya tigarisane.                                               Pokugara pacho mavhunze.                                               Huhwi yacho imhere.                                               Ndingagare peanopfuta mapfihwa?                                               Makambozvionepi?                                               Haranga inoreva rusambo.                                    

Corona Iwe!

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA Kungoti kudubu dhii Ndiye sarai Mukabika idyai Rwave rwiyo rwusina muvambi Iyo misodzi yongoti mokoto Pamatama serwizi  Rure rure yataitamba  Angova mariro Vanhu vorira Vorara vasina tariro yeramangwana Yangova kwati kwati mudzimba Kwave kungoteedzana nawo madziro Akadyiswa akange nani Ko kufamba kuzvideedzera rufu Aiziva hutsvina hunourayisa ndiyani Kwava kungogeza maoko saPirato Miromo nemhino tovhara sezvonyadzisa Imiwe vakafa havana chavakaona Ko zvavakatozorora wani Hehede!  Toseka nhamo kunge rugare Akaimba muimbi akati vachapihwa korona Zvino korona yacho zvayauya nemumwe mutowo Tochema takatarisa denga Tenge vanhu vanopenga Vakuru vanoti kuyisenga huyida Asi uyu mutoro warema Zano rapera Vana vevanhu vapera Kufamba kwacho chitundu musere musere Rwenge rusero rwavaroyi Kungokotsira munhu atove kuMalawi Risati ravira Wotonzwa mhere kwetsu Tongochema kuti kwedu kuno Dai Mwari matinz

Dzemvura

Image
GUEST POET: KELVIN BENJAMIN Dzainge dzamukaka Kumuita mbiradzakondo chaiko Kunyemwerera kwaisava kwenhamo Aida kuti mose muzvione Ainge okwikwidza Gwenyambira Chipfuva achifamba achirova Hapana aimurova Hana kana kurova Ko aigotyei, kunze kwekutotyawo Mukuridza mbira, vaiuya vanaKondo Mapondo ekurudziro vaimupa Ova manyawi ka Dzoro achigutsurura Nginde nginde nginde Vaishevedzana Vochidzana Zvomuyeuchidza mabhii Onyemwerera

Chaora

Image
GUEST POET: KELVIN BENJAMIN Takazoisa musoro pamwe rave zuva retatu Sorojena ainge asara ungamuwane? Vamwe vaiti ainge oita madanha Vamwe vakati zvirevereve Pachokwadi chainge chobuda honye Mvura yoerera Takaramba tiripo Magumo azvo ainge ave pedyo Ndopakazouya nhunzi, Aisava oga Nevemakobvu machira   Vekumabvazuva Nedzemumvura Vatorwa vakauya naye Akadzungudza musoro Sorojena uya Ndiye akatanga kuona nhunzi

Kurume

Image
GUEST POET: KELVIN BENJAMIN Mhosva yako, yaiva dikisa Kakange kavaona vachiseva, Karume kadiki Mushure meJenaguru Machi achitonwa zvake chapomba Zviya zvekuraudzira mwedzi mitatu, Mheterwa payakakwezva pakabuda mupururu Kusweramangwana acho, Mudunhukadzi Dhuku naHuku vaivepowo Sehuku yanaiwa vakakakava-kava Ko kaive Kagavamwedzizve, Kasingazive kana dombwe.

Fungira mumoyo

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA Zvaritori dambe Dai ndaisave Ndaiti musazove Itori swerakuenda  Mukwasha wezuva Ko ndiani anoziva  Zvandinoziva Ko anofunga  Zvandinofunga Ko kuona Zvandinoona Kana kunzwa Zvandinonzwa Nyangwe ukaziva  Zvandinoziva Kana kufunga  Zvandinofunga Kana kuona  Zvandinoona Haungazvizivi Kana kuzvifunga Haungaoni Kana kuzvinzwa Ko ini ndini Iwe ndiwe Maziviro anosiyana Mafungiro anosiyana Maonero anosiyana Manzwiro anosiyana Ifungira mumoyo rwendo rwembwa