Hana

BY TENDAI KAMHUNGIRA
Chokwadi tsindidzo haigari muhana mbiri
Zvisinei nekohomedzo yandakakupa
Handaiziva kuti uri chenzira
Weromo risingamharwi nenhunzi
Zvino zvandaivimba newe
Iwe uri takura tiende
Chitakura nhoro, mbudzi iri hata
Taguta padare
Anoridengezera serake
Ko vakanzwa nani?
Kana usiri iwe wandakaipakatisa
Ukaerekana woidandaura nemutovo wako
Zvaunoiramba
Zvino vakaipakurirwa nani?
Iyo yekuti ndakanga ndapedza mwana wamambo mafuta
Uye kuti yechimanda ndakanga ndaipfuudza
Kuda vakafungidzira
Ko yekuponda?
Kuda vakaronda
Ko yekupomba zvese neyekupamba?
Usandinyinurira manyada
Ndinopedzisira ndakutuka zvinonyadzisa


Nekuti haunyari kunyara nekunyadzisa kwakunoita.

Comments

Popular posts from this blog

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Gejo

Nyika Ine Vanhu Vakawanda