Posts

Showing posts from March, 2020

Chaora

Image
GUEST POET: KELVIN BENJAMIN Takazoisa musoro pamwe rave zuva retatu Sorojena ainge asara ungamuwane? Vamwe vaiti ainge oita madanha Vamwe vakati zvirevereve Pachokwadi chainge chobuda honye Mvura yoerera Takaramba tiripo Magumo azvo ainge ave pedyo Ndopakazouya nhunzi, Aisava oga Nevemakobvu machira   Vekumabvazuva Nedzemumvura Vatorwa vakauya naye Akadzungudza musoro Sorojena uya Ndiye akatanga kuona nhunzi

Kurume

Image
GUEST POET: KELVIN BENJAMIN Mhosva yako, yaiva dikisa Kakange kavaona vachiseva, Karume kadiki Mushure meJenaguru Machi achitonwa zvake chapomba Zviya zvekuraudzira mwedzi mitatu, Mheterwa payakakwezva pakabuda mupururu Kusweramangwana acho, Mudunhukadzi Dhuku naHuku vaivepowo Sehuku yanaiwa vakakakava-kava Ko kaive Kagavamwedzizve, Kasingazive kana dombwe.

Fungira mumoyo

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA Zvaritori dambe Dai ndaisave Ndaiti musazove Itori swerakuenda  Mukwasha wezuva Ko ndiani anoziva  Zvandinoziva Ko anofunga  Zvandinofunga Ko kuona Zvandinoona Kana kunzwa Zvandinonzwa Nyangwe ukaziva  Zvandinoziva Kana kufunga  Zvandinofunga Kana kuona  Zvandinoona Haungazvizivi Kana kuzvifunga Haungaoni Kana kuzvinzwa Ko ini ndini Iwe ndiwe Maziviro anosiyana Mafungiro anosiyana Maonero anosiyana Manzwiro anosiyana Ifungira mumoyo rwendo rwembwa

Mandivhaidze

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA Zvinhu izvi zvinonaka Izvi ka izvi Sekuru ndozvakavaendesa Ko vaimbogara pamba here Vaiti risati rabuda vatovako Vakutorova zvavo pachikuru Sare vazukuru vongobvunza Ko ngano dzanga dzichataurwa nani Ndakura nazvo izvi  Wainzwa vovhaira Sehari inofashaira Vaizoti vadzoka Vonzwa voti zvinhu izvi zvinonaka Izvi ka izvi Kana muchiti ndiri kunyepa Bvunzai mbuya vaMika Ndivoka vekuravidza muzukuru waJoro Akabva angoti gotsi papata Raingoti ravira chete Otorova nhetserwa akananga ikoko Pandakangozvinzwa Ndakazomubvunza  Ndikati zvawava chandagwinyira Chikwekwe chaicho Ko akanga achanzwa here Akatozopedzisira okwira bhazi Akananga Kwekwe Aingoti akati kwee kwee Ndiye gada nemanhede Otoshevedzera yake nhekwe Ndakazomuti kwete Akati havi yangu haipere Ndikati inyota rudzii Inoita seyepwere Wavekutopepereka nenyika Nekukara  Wave kutoisa ura padanda Nekuda hwematanda Munhu akakura achi

Uchinge Wanditendera

Image
GUEST POET: KELVIN BENJAMIN Uchinge wanditendera Chirega kutya Tenda mwanawe Isa maoko panodziya unzwe Ehooo chibata apapa Uchanzwa ndozhamba Hongu! Chiregazve kutenderera Ndidzikamise Nditi nhoo Zvichibvira, ndigare matundu Wochizoti pangu paditi mhaaa Kana uchida dzika midzi Semuridzi wemwoyo ndidzidzise Pemberera kana wanditendera

Dziregei dziende

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA Dziregei dziende Dziregei dzibude Dzinosva hadzo dzabuda Ndapota! Mukaona dzabuda musadzidzorera Kuda mungasoresva kudzorera Dzikava dzakatamba nepwere Kubuda kwadzo ndihwo husvinu hwadzo Vazhinji vane dzakabuda Asi dzakabudisa zvisvinu Saka ndati dziregei dziende Regai dzibude Kana dzabudira zviripo Dzakambobuda paya dzekusvinuka Ndokusungwa Zvino nhasi dzabudazve Asi ndati dziregei dziende Dziregei dzibude Ndaimbozvireva muchivere-vere Asi nhasi ndozvireva pachena Ndianiko mambo anotonga akafuratira Ane munondo unobaya pasipo Anodya chebanga Achitonga nepfumo Nhasi ndozvireva Saka ndati regai dziende Regai dzibude Ndianiko akati Chivaura haaveurwe Akati Mararike akarereka Akati ngirozi huru yaMwari inonzi Gabriel Akati Marechera aipenga Koi ye anoziva kupenga kweumwe Asingaoni kupenga kwake ndiani? Saka ndati dziregei dziende Dziregei dzibude.

Nyika Ine Vanhu Vakawanda

Image
GUEST POET: BRIAN KAZUNGU Chokwadi tingati here makawanda, kana paine vanoti vakafamba imi mese munohwanda Tingati here makawanda, kana paine vanoti vakataura nyangwe chakaipa hapana anoramba Chokwadi munganzi here makawanda kana paine vanokudyirai mugove wezvese zvamakashanda Aiwa, kana vazhinji munyika vari zvimbwasungata zvevamwe, hatingamboti makawanda Nyangwe vari vashoma, nyika inonzi ine vanhu vakawanda kana pamwechete vaine chavanovaka Asi tinoti ine vanhu vashoma, kana nyika izere vanotambudzana kusvika pakuparadza zvakavakwa Nyika inonzi ine vanhu vakawanda, kana ivo vachibatana pakuita zvinhu zvakanaka Asi tinoti ine vanhu vashoma, kana iine zviuru ne zviuru zvinotadzisa vamwe kugara zvakanaka Kana vanhu vazhinji munyika vachigara vari mimvuri yevamwe, ivavo tinovatora se sevasipo Iko kufambidzana ne vanhu vasipo muhupenyu hwavo pachavo, kunotosvora maziso se sipo Nokuti kwese kwamaenda vanoswero kudzimaidzai, mukashaya chabuda kunge musina ka