GUEST POET: BRIAN KAZUNGU Chokwadi tingati here makawanda, kana paine vanoti vakafamba imi mese munohwanda Tingati here makawanda, kana paine vanoti vakataura nyangwe chakaipa hapana anoramba Chokwadi munganzi here makawanda kana paine vanokudyirai mugove wezvese zvamakashanda Aiwa, kana vazhinji munyika vari zvimbwasungata zvevamwe, hatingamboti makawanda Nyangwe vari vashoma, nyika inonzi ine vanhu vakawanda kana pamwechete vaine chavanovaka Asi tinoti ine vanhu vashoma, kana nyika izere vanotambudzana kusvika pakuparadza zvakavakwa Nyika inonzi ine vanhu vakawanda, kana ivo vachibatana pakuita zvinhu zvakanaka Asi tinoti ine vanhu vashoma, kana iine zviuru ne zviuru zvinotadzisa vamwe kugara zvakanaka Kana vanhu vazhinji munyika vachigara vari mimvuri yevamwe, ivavo tinovatora se sevasipo Iko kufambidzana ne vanhu vasipo muhupenyu hwavo pachavo, kunotosvora maziso se sipo Nokuti kwese kwamaenda vanoswero kudzimaidzai, mukashaya chabuda kunge musina ka