Ine zamu hairoorwe


BY TENDAI KAMHUNGIRA
Makwara uya uone iwe!
Zvoita Shava yako iya
Zvino yoshava nepakati
Pakati-kati pevanhu
Zvino yobudisa shavi rekushava
Zvaririri shura rinototambidzisa munhu shereni
Sharai!
Idoshevedza mai Shuvai
Vandionere shura reshavi reshava inoshava yakashama
Neshuviro isina shumo
Nyamba paya pawaishenaira-shenaira
Waisada kuti ndione kushava kwako zvine ushasha
Nhasi wandigumbura
Une chokwadi
Kushava nemudziyo wegarisano
Wandakabvisira mashereni
Mushure mekunge ndashanda kuShamva
Ndichishungurudzika
Nekushanyarika
Zvekutotadza kuhushapira
Chokwadi
Ine zamu hairoorwe.


Comments

Talented bro,,, keep the standard.
Brian Kazungu said…
Murikumberi shefu. Sando dzenyu

Popular posts from this blog

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Gejo

Nyika Ine Vanhu Vakawanda