Munyika Muno Mese Makaroyiwa



 GUEST POET: BRIAN KAZUNGU

Munyika muno mese makaroyiwa
Muroyi ne akaroyiwa, mese makaroyiwa
Mufundisi, muporofita ne n’anga, mese makaroyiwa
Mambo nemuranda mese makaroyiwa

Muroyi nemhuri yake vese vane dambudziko
Akaroyiwa nemhuri yake vese vane dambudziko
Mufundisi, muporofita nen’anga yevanotambudzika, navowo vane dambudziko
Mambo wevanotambudzika, nayewo ane dambudziko

Mufundisi ne muporofita varikudya mundiro ye vanotambudzika
N’anga iri kunwira mumukombe wevanotambudzika
Mambo arikufuga machira evanotambudzika
Muranda atoshaya kuti ndiani anogona kuti nhamo dzake dzimbo tapudzika

Varikure nevakatikomberedza, vese, nesu vashamisika
Kuti vanhu rudzii vanokwikwidzana kupanana kunetseka
Pedze pedze vese vobva vararama hupenyu hunochemedza
Chokwadi mambo navaranda venyika iyi, vese, vane hutera hunosekesa

Kuenda mberi semhuri imwe mese matadza
Hupfumi hwenyika, mambo nemachinda vasakadza
Apa varanda nemhuri dzavo vachitandaza
Mafundisi, maporofita ne n’anga, izviwo vatozvitadza

Nhamo yevanhu munyika, kune varikutoichengetedza
Hutera hwamambo, munyika, pane varikutohupembedza
Ma minimini emafundisi, maporofita ne n’anga, pane varikutosheedza
Chokwadi, munyika muno, mese makaroiwa

Comments

Popular posts from this blog

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Gejo

Nyika Ine Vanhu Vakawanda