High Rate

BY TENDAI KAMHUNGIRA

High rate!
High rate!
Ndivo mutauro
Pakutamba mutambo weraramo
Inongova high rate
Kana yemumba ndotoishuva sendisakamboibata
Tukomana tunoitora mudura
Tugoishandura nekuitambisa njuga
Pandinodawo kuibata
Unongonzwa yangova
High rate!
High rate!
Ndakati rimwe gore ndichashanda
Ndigozoshevedzerawo
High rate!
Ndigoisandurawo
Nekutamba nayo madiro aGeorgina
Pandakapinzwawo mudura
High rate ndokundibata nechepano parutivi
Pedzisire ndini ndakange ndave high rate
Zvikanzi kaviri chete padhora
Zvakabva zvava zvikoni zvikoni
Ndikaziva kuti yekwangu yakange yarova
Kuibata rakange ratova shura muJerusarema
Nekuti high rate akabereka dhora kaviri
Dhora kaviri akabereka shura roputsa musha zvekare

Sezitateguru high rate akarovesa yekwangu sendisakamboibata. 

Comments

Popular posts from this blog

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Gejo

Nyika Ine Vanhu Vakawanda