Ndiperekedze

BY TENDAI KAMHUNGIRA


Ndiperekedze risati ravira
Ndiperekedze kusati kwadoka
Ndinotya kusangana nezveusiku
Ndinotya kusangana nemadzangaradzimu
Saka ndati ndiperekedze ndichiri kuona
Ndinotya zvigara musango
Zvine ruchiva
Zvinorwerwa rute
Zvidya vanhu usiku
Zvifamba kwotonhorera
Ndinotya kurumwa
Ndinotya kubatwa-batwa
Ndinotya kunaiwa neyembambara
Ndinotya zvimvuramahwe
Saka ndati ndiperekedze risati ragara gomo
Ndinotya kugarwa matunduru
Nekuputika nduru
Sango ratiri isango rinoera
Rinoda kuteurirwa
Makwati akakwana
Kuna nyakutumbura
Kuti asazova manenji anoshura goho remunhu mupenyu
Saka ndati ndiperekedze ndiende
Makava asati owukura
Vanamakwira miti vasati vashaiwa miti
Vanamateedza rwizi vachiri vavete
Chindiperekedza
Kuitira ndisazomedza ndisina kutsenga
Ndigodadisa nyakutumbura
Achidya yechimanda
Yandinodai kuchengetedza
Saka ndati ndiperekedze ndiende
Risati ravira.


Comments

Popular posts from this blog

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Gejo

Nyika Ine Vanhu Vakawanda