Posts

Showing posts from 2020

SaMutoko

Image
BY KEVIN BENJAMIN                                                           Nhaiwe SaMutoko unondinzwa?                                               Sahwira Newewo machembere                                                                       Wafawanaka hero shoko.                                               Soko. Ko kuzenge kupira gotsi?                                               Mukati mashaya mawere?                                               Zvisinei tasvitsa maoko.                                               Iri pano moto.                                               Kwanzi uya tigarisane.                                               Pokugara pacho mavhunze.                                               Huhwi yacho imhere.                                               Ndingagare peanopfuta mapfihwa?                                               Makambozvionepi?                                               Haranga inoreva rusambo.                                    

Corona Iwe!

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA Kungoti kudubu dhii Ndiye sarai Mukabika idyai Rwave rwiyo rwusina muvambi Iyo misodzi yongoti mokoto Pamatama serwizi  Rure rure yataitamba  Angova mariro Vanhu vorira Vorara vasina tariro yeramangwana Yangova kwati kwati mudzimba Kwave kungoteedzana nawo madziro Akadyiswa akange nani Ko kufamba kuzvideedzera rufu Aiziva hutsvina hunourayisa ndiyani Kwava kungogeza maoko saPirato Miromo nemhino tovhara sezvonyadzisa Imiwe vakafa havana chavakaona Ko zvavakatozorora wani Hehede!  Toseka nhamo kunge rugare Akaimba muimbi akati vachapihwa korona Zvino korona yacho zvayauya nemumwe mutowo Tochema takatarisa denga Tenge vanhu vanopenga Vakuru vanoti kuyisenga huyida Asi uyu mutoro warema Zano rapera Vana vevanhu vapera Kufamba kwacho chitundu musere musere Rwenge rusero rwavaroyi Kungokotsira munhu atove kuMalawi Risati ravira Wotonzwa mhere kwetsu Tongochema kuti kwedu kuno Dai Mwari matinz

Dzemvura

Image
GUEST POET: KELVIN BENJAMIN Dzainge dzamukaka Kumuita mbiradzakondo chaiko Kunyemwerera kwaisava kwenhamo Aida kuti mose muzvione Ainge okwikwidza Gwenyambira Chipfuva achifamba achirova Hapana aimurova Hana kana kurova Ko aigotyei, kunze kwekutotyawo Mukuridza mbira, vaiuya vanaKondo Mapondo ekurudziro vaimupa Ova manyawi ka Dzoro achigutsurura Nginde nginde nginde Vaishevedzana Vochidzana Zvomuyeuchidza mabhii Onyemwerera

Chaora

Image
GUEST POET: KELVIN BENJAMIN Takazoisa musoro pamwe rave zuva retatu Sorojena ainge asara ungamuwane? Vamwe vaiti ainge oita madanha Vamwe vakati zvirevereve Pachokwadi chainge chobuda honye Mvura yoerera Takaramba tiripo Magumo azvo ainge ave pedyo Ndopakazouya nhunzi, Aisava oga Nevemakobvu machira   Vekumabvazuva Nedzemumvura Vatorwa vakauya naye Akadzungudza musoro Sorojena uya Ndiye akatanga kuona nhunzi

Kurume

Image
GUEST POET: KELVIN BENJAMIN Mhosva yako, yaiva dikisa Kakange kavaona vachiseva, Karume kadiki Mushure meJenaguru Machi achitonwa zvake chapomba Zviya zvekuraudzira mwedzi mitatu, Mheterwa payakakwezva pakabuda mupururu Kusweramangwana acho, Mudunhukadzi Dhuku naHuku vaivepowo Sehuku yanaiwa vakakakava-kava Ko kaive Kagavamwedzizve, Kasingazive kana dombwe.

Fungira mumoyo

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA Zvaritori dambe Dai ndaisave Ndaiti musazove Itori swerakuenda  Mukwasha wezuva Ko ndiani anoziva  Zvandinoziva Ko anofunga  Zvandinofunga Ko kuona Zvandinoona Kana kunzwa Zvandinonzwa Nyangwe ukaziva  Zvandinoziva Kana kufunga  Zvandinofunga Kana kuona  Zvandinoona Haungazvizivi Kana kuzvifunga Haungaoni Kana kuzvinzwa Ko ini ndini Iwe ndiwe Maziviro anosiyana Mafungiro anosiyana Maonero anosiyana Manzwiro anosiyana Ifungira mumoyo rwendo rwembwa

Mandivhaidze

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA Zvinhu izvi zvinonaka Izvi ka izvi Sekuru ndozvakavaendesa Ko vaimbogara pamba here Vaiti risati rabuda vatovako Vakutorova zvavo pachikuru Sare vazukuru vongobvunza Ko ngano dzanga dzichataurwa nani Ndakura nazvo izvi  Wainzwa vovhaira Sehari inofashaira Vaizoti vadzoka Vonzwa voti zvinhu izvi zvinonaka Izvi ka izvi Kana muchiti ndiri kunyepa Bvunzai mbuya vaMika Ndivoka vekuravidza muzukuru waJoro Akabva angoti gotsi papata Raingoti ravira chete Otorova nhetserwa akananga ikoko Pandakangozvinzwa Ndakazomubvunza  Ndikati zvawava chandagwinyira Chikwekwe chaicho Ko akanga achanzwa here Akatozopedzisira okwira bhazi Akananga Kwekwe Aingoti akati kwee kwee Ndiye gada nemanhede Otoshevedzera yake nhekwe Ndakazomuti kwete Akati havi yangu haipere Ndikati inyota rudzii Inoita seyepwere Wavekutopepereka nenyika Nekukara  Wave kutoisa ura padanda Nekuda hwematanda Munhu akakura achi

Uchinge Wanditendera

Image
GUEST POET: KELVIN BENJAMIN Uchinge wanditendera Chirega kutya Tenda mwanawe Isa maoko panodziya unzwe Ehooo chibata apapa Uchanzwa ndozhamba Hongu! Chiregazve kutenderera Ndidzikamise Nditi nhoo Zvichibvira, ndigare matundu Wochizoti pangu paditi mhaaa Kana uchida dzika midzi Semuridzi wemwoyo ndidzidzise Pemberera kana wanditendera

Dziregei dziende

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA Dziregei dziende Dziregei dzibude Dzinosva hadzo dzabuda Ndapota! Mukaona dzabuda musadzidzorera Kuda mungasoresva kudzorera Dzikava dzakatamba nepwere Kubuda kwadzo ndihwo husvinu hwadzo Vazhinji vane dzakabuda Asi dzakabudisa zvisvinu Saka ndati dziregei dziende Regai dzibude Kana dzabudira zviripo Dzakambobuda paya dzekusvinuka Ndokusungwa Zvino nhasi dzabudazve Asi ndati dziregei dziende Dziregei dzibude Ndaimbozvireva muchivere-vere Asi nhasi ndozvireva pachena Ndianiko mambo anotonga akafuratira Ane munondo unobaya pasipo Anodya chebanga Achitonga nepfumo Nhasi ndozvireva Saka ndati regai dziende Regai dzibude Ndianiko akati Chivaura haaveurwe Akati Mararike akarereka Akati ngirozi huru yaMwari inonzi Gabriel Akati Marechera aipenga Koi ye anoziva kupenga kweumwe Asingaoni kupenga kwake ndiani? Saka ndati dziregei dziende Dziregei dzibude.

Nyika Ine Vanhu Vakawanda

Image
GUEST POET: BRIAN KAZUNGU Chokwadi tingati here makawanda, kana paine vanoti vakafamba imi mese munohwanda Tingati here makawanda, kana paine vanoti vakataura nyangwe chakaipa hapana anoramba Chokwadi munganzi here makawanda kana paine vanokudyirai mugove wezvese zvamakashanda Aiwa, kana vazhinji munyika vari zvimbwasungata zvevamwe, hatingamboti makawanda Nyangwe vari vashoma, nyika inonzi ine vanhu vakawanda kana pamwechete vaine chavanovaka Asi tinoti ine vanhu vashoma, kana nyika izere vanotambudzana kusvika pakuparadza zvakavakwa Nyika inonzi ine vanhu vakawanda, kana ivo vachibatana pakuita zvinhu zvakanaka Asi tinoti ine vanhu vashoma, kana iine zviuru ne zviuru zvinotadzisa vamwe kugara zvakanaka Kana vanhu vazhinji munyika vachigara vari mimvuri yevamwe, ivavo tinovatora se sevasipo Iko kufambidzana ne vanhu vasipo muhupenyu hwavo pachavo, kunotosvora maziso se sipo Nokuti kwese kwamaenda vanoswero kudzimaidzai, mukashaya chabuda kunge musina ka

Bako Rine Nyoka

Image
 GUEST POET: BRIAN KAZUNGU Zvirinani dzinyorove mbatya dzawakashonga Pane kuhwanda mvura uchipinda mubako rine nyoka Shinga famba, famba shinga, kwauri kuenda unosvika Pavari usamira, vane moyo inenge mapako enyoka Igaroziva kuti muhupenyu mukutambudzika uchadzidza Asi usapotera kwavari, nokuti hwako hupenyu vakatoshamira kumedza Yako nhamo, kwavari muto, vanotoseva ne sadza Ukafara, kwavari irima, havachaone chinovadekadza Kugadzikana pavari, gara hako watotadza Nokuti chiripo ripotyo, vachakuruma ukatandaza Saka kubva pavari, pfumbura guruva kusvika kukuona vatadza Pavachazoziva kwawakaenda, newewo, matura emufaro unenge watozadza Varipo vane moyo inenge mapako enyoka, vakatoti farara nenyika Saka chenjera, ngwara, svinura, pepuka, usapinde mubako rinenyoka Usanyengedzwa nekwavo kusekerera, vakatoshamira kukumedza Vanorwadziwa kwazvo vakaona kuti iwe uri mhare, wakabengenuka Pese pawangoti baa kuvaona, pavari gara watotaramuka

Makandioneiko Nhai Mwari?

Image
 GUEST POET: BRIAN KAZUNGU                 Munhu Akachenjera Munhu Akangwara Makandioneiko nhai Mwari, kundipa huchenjeri hwakadzama kudai? Makandioneiko nhai Mwari, kundipa njere dzakarodza kudai? Makandioneiko nhai Mwari, kundiita mhare yamazvirokwazvo kudai? Makandioneiko nhai Mwari, kundionesa zvakavanzika kudai? Nekuda kwechamakaona pandiri Mwari, ndinoti misi yose kudzwai Munhu Ane Chiso Ne Chimiro Chakanaka Makandioneiko nhai Mwari, kundipa runako rwakadai? Makandioneiko nhai Mwari, kundiita mhenya yakadai? Makandioneiko nhai Mwari, kundiita tsvarakadenga yakadai? Makandioneiko nhai Mwari, kundiumba zvinoshamisa kudai? Nekuda kwechamakaona pandiri Mwari, ini nemoyo wose ndinokudai Munhu Arimurudo Rwunodekadza Makandioneko nhai Mwari, kundipa mudiwa anemoyo wakanaka kudai? Makandioneiko nhai Mwari, kundipa chido chemoyo chakanaka kudai? Makandioneiko nhai Mwari, kundipa mudiwa anerudo rwunodekadza zvakadai? Makandioneiko nhai Mwa

Ndiperekedze

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA Ndiperekedze risati ravira Ndiperekedze kusati kwadoka Ndinotya kusangana nezveusiku Ndinotya kusangana nemadzangaradzimu Saka ndati ndiperekedze ndichiri kuona Ndinotya zvigara musango Zvine ruchiva Zvinorwerwa rute Zvidya vanhu usiku Zvifamba kwotonhorera Ndinotya kurumwa Ndinotya kubatwa-batwa Ndinotya kunaiwa neyembambara Ndinotya zvimvuramahwe Saka ndati ndiperekedze risati ragara gomo Ndinotya kugarwa matunduru Nekuputika nduru Sango ratiri isango rinoera Rinoda kuteurirwa Makwati akakwana Kuna nyakutumbura Kuti asazova manenji anoshura goho remunhu mupenyu Saka ndati ndiperekedze ndiende Makava asati owukura Vanamakwira miti vasati vashaiwa miti Vanamateedza rwizi vachiri vavete Chindiperekedza Kuitira ndisazomedza ndisina kutsenga Ndigodadisa nyakutumbura Achidya yechimanda Yandinodai kuchengetedza Saka ndati ndiperekedze ndiende Risati ravira.

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Image
GUEST POET: BRIAN KAZUNGU   Hama dzine moyo yakaipa kudai ndidzo chete dzatasara nadzo Dzingava hama dzeropa, dzeganda, dzechitendero kana dzezvenyika Chadzo kuda kuona isu tese tichitambura, pasina kana chedu chinopfakanyika Zvikaramba zvakadai, hapana kwatiri kuenda, irikuparara nyika Dzavo dzimba vanopfirira nekupfurunura dzavamwe Dzavo huni, matanda nembariro zvakavaka dzimba dzevamwe Chavo chikuwe, chimbo cherufu pamisha yevamwe Hapana chavo kana pasina chashaikwa nevamwe Kutambudzika kwedu, kwavari imhiko, vakatoita zvekupikira Chese chingatitambudza, nyangwe chikaita kure sei, vangatochifambira Havadi kuti isu vamwe tibudirire, vanoshuwira kutiona isu pasi tichiwira Vanofara kwazvo, kana isu vamwe tese tikashaya Nyadenga chaakatisikira Kana vaenda kumberi, hakuna anofanira kutevera Pavanocheuka, wese wavaona arikuda kuvapindira Kuita chavasina kufunga ivo, kutori kuvakanganisira Mukabatana pachenyu, kwavari ihondo, matovapanduki

Kusateerera kunoparira

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA Ndangoti rega nditaure Semunhu aswera asina kutaura Ko akubaira zanhi ndewako Zvenyika hazviperi muzukuru Chitamba wakachenjera nyika ine meno Anocheka kunge reza Kudya nyika rutivi hakuna kuipa Asi chenjera kubata panopisa Zveupesvu-pesvu nehunharadada Wobva wapfira chikomba Ndakasanga namukoma John Ko zvavangosara musoro chete Mazuva avo vachatemwa dzinobva ropa Vainzi vana Mr Harare Vachiapesanisa madhirezi Vakazodhumana nazvo Hanzi ndiri kutamba hujaya Vakatamba ndevakatamba kare Nyika ichakanaka Ko ivo mukoma Tapi Tapi Vaitamba kusvika kwayedza Vatete nevakobvu vachivachinjanisa Vaisateerera vakaerekana vatevera madzitateguru Zvino votapirira majuru vari pachuru Chekwavo kwaJuru Ndosaka ndati rega ndimbotaura Semunhu aswera asina kutaura Baba vangu vakati ziva, funga, ona Kusateerera kunoparira

Waenda Mtukudzi (Tribute to Tuku)

Image
GUEST POET: AUSTIN KARONGA Makati  V hunze  M oto, Ichokwadi nhasi matipisa ne V hunze  R emoto  S amanyanga. T odii nhai  N zou  S amanyanga zvamaenda? Nhasi misodzi inongove  M utserendende pamatama nemuhana dzedu, Nyadenga vatora  N zungu  I mwe Yavo, Vakutorai muchiimba rwiyo rwenyu ruya " H ear  M e  L ord" Imi mati  N dima  N dapedza,  N dasakura  N dazunza, Madambarefu makumi matanhatu nenhanhatu mumakore makumi matanhatu ne nhanhatu (66 Albums in 66 years,) S arawoga rikave damba refu renyu pamakasvitsa makore makumi matanhatu, Ko taizivei kuti pamakore makumi matanhatu nenhanhatu muchaenda musina kuoneka, Heya Hear Me Lord wakava munamato wakanonoka kutambirwa, Nekuti imi penyu mainge masakura Mazunza kare, Matisiya,  M atitsvata Samanyanga. Nhasi Zimbabwe  T abika  M bodza vaMutukudzi Tozvibvunza " Z vauya  S ei" T simba  I tsoka. Tirikumaona matsimba makumi matanhatu nenhanhatu, Heyo  N hava yeruzivo makaimba,

Pasi Rapinduka

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA Ndainge ndati ndamuwana Maruziva wekuziva Ko zvaainge akafanana NaMarujata wekuJakata Kwandakange ndakurira Aive nekazwi kakatetepera Kunge sadza remurwere Wanga usati wamuona achifamba iwe Aive nekano kachiuno kezingizi Kana ofamba ainge akadengezera hari Ine husvusvu hwamambo Ndakaita zvizuva ndichingomuyeva Kungomuti baa hana yobika manhanga Ngoma kurira Ndonge ndichazvivetera murume mukuru Ndakazoti rimwe zuva ndakoriwa nehwekwedu kwachirera nherera Ndikati nhasi ndokandira tsvimbo Chauya chauya Ndakamuti baa zvekare ndikabatwa nechadzimira Ndakarovera moyo kudombo ndokusvitsa shoko Zvikanzi wanonoka wataura Ndakazvirova dundundu Ndikati ndinombonzi aniko Ko ndaizivei Ndakabva ndati handichatora nguva Chiregai tingoonana pedu tega Akaita mazuva achitsika-tsika mwana wevanhu Izvo aitokwidza BP yangu Ndakazomuwanikidza ndikati nhasi hazvikoni Ndakabata chiso wanike churu zvacho Mwana anga akapoda