Gejo


BY TENDAI KAMHUNGIRA


Kusvibira kwachainge chakaita
Chibage chacho
Haiwa!
Chaidonhedzesa rute
Pandakaona kutoterera
Ndakanzwa manyezu nyakata
Ndikati aiwa ndinotorinyudza chete
Rekwangu gejo
Ndakanyatsorodzera
Hana ichirova nemufaro
Ndikaona hore zvino yakanga yakunga
Ndikaziva kuti yoda kuturuka
Zvine uturu
Ndakafemera pamusoro
Kuzeza gombo
Pfungwa nendangariro dzaiona pari patsaru
Ndikati regai ndiurime ndega gore rino
Ndigosakura nekudiridzira
Kudyara sungano yeupenyu
Paya pandakanga ndoda kuti kwengu
Zvikanzi aiwa, kwete
Kuri kuzeza gejo
Ndakasekerera ndikati aiwa ndapawana patsaru
Ndikati nhaka ndapinda basa rekugobora zvigutsa
Ko paiva nechekumhanyira here
Iro gombo raive rangu?
Imwe pfungwa ikati wazvitangidzira
Wadii wateedza mupata wakanyorovera zvireruke
Ndakati fambei ndichidzika nechezasi kwemunda
Ndokusvika nechepakati
Ndikati ahaa!
Pano ndopondotangira
Ndakarinyudza zvine unyanzvi
Ndakasunga shaya
Nekutsinzinira
Semurwere anoveurwa tsiye nachiremba
Ndikanzwa pasi radaira
Zvabvumana negejo
Ndakaridza kamhere kemufaro
Wanike munda rakange rave gura
Pakange pasisina zvigutsa
Kana nekamudzi zvako
Pasi rakange ratodaira gejo kare.

Comments

Unknown said…
Sekuru tinotenda nechirongwa ichi, mutauro yenyu wakapfuma chose. Ndadzidza semurimi kuti gejo rakarodzwa seramaive naro ndiro chete rinoda gombo.

Rambai muchitipa dopiro rakadai. Tinoda ku subscriber chaiko uye zvingauye sei pa nhare se msg ye whats up.

Tatenda
Gejo kkkkkkk. You are creative my bro.
Anonymous said…
Ngazviende mberi Shumba!

DM

Popular posts from this blog

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Nyika Ine Vanhu Vakawanda