Posts

Showing posts from February, 2020

Bako Rine Nyoka

Image
 GUEST POET: BRIAN KAZUNGU Zvirinani dzinyorove mbatya dzawakashonga Pane kuhwanda mvura uchipinda mubako rine nyoka Shinga famba, famba shinga, kwauri kuenda unosvika Pavari usamira, vane moyo inenge mapako enyoka Igaroziva kuti muhupenyu mukutambudzika uchadzidza Asi usapotera kwavari, nokuti hwako hupenyu vakatoshamira kumedza Yako nhamo, kwavari muto, vanotoseva ne sadza Ukafara, kwavari irima, havachaone chinovadekadza Kugadzikana pavari, gara hako watotadza Nokuti chiripo ripotyo, vachakuruma ukatandaza Saka kubva pavari, pfumbura guruva kusvika kukuona vatadza Pavachazoziva kwawakaenda, newewo, matura emufaro unenge watozadza Varipo vane moyo inenge mapako enyoka, vakatoti farara nenyika Saka chenjera, ngwara, svinura, pepuka, usapinde mubako rinenyoka Usanyengedzwa nekwavo kusekerera, vakatoshamira kukumedza Vanorwadziwa kwazvo vakaona kuti iwe uri mhare, wakabengenuka Pese pawangoti baa kuvaona, pavari gara watotaramuka

Makandioneiko Nhai Mwari?

Image
 GUEST POET: BRIAN KAZUNGU                 Munhu Akachenjera Munhu Akangwara Makandioneiko nhai Mwari, kundipa huchenjeri hwakadzama kudai? Makandioneiko nhai Mwari, kundipa njere dzakarodza kudai? Makandioneiko nhai Mwari, kundiita mhare yamazvirokwazvo kudai? Makandioneiko nhai Mwari, kundionesa zvakavanzika kudai? Nekuda kwechamakaona pandiri Mwari, ndinoti misi yose kudzwai Munhu Ane Chiso Ne Chimiro Chakanaka Makandioneiko nhai Mwari, kundipa runako rwakadai? Makandioneiko nhai Mwari, kundiita mhenya yakadai? Makandioneiko nhai Mwari, kundiita tsvarakadenga yakadai? Makandioneiko nhai Mwari, kundiumba zvinoshamisa kudai? Nekuda kwechamakaona pandiri Mwari, ini nemoyo wose ndinokudai Munhu Arimurudo Rwunodekadza Makandioneko nhai Mwari, kundipa mudiwa anemoyo wakanaka kudai? Makandioneiko nhai Mwari, kundipa chido chemoyo chakanaka kudai? Makandioneiko nhai Mwari, kundipa mudiwa anerudo rwunodekadza zvakadai? Makandioneiko nhai Mwa

Ndiperekedze

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA Ndiperekedze risati ravira Ndiperekedze kusati kwadoka Ndinotya kusangana nezveusiku Ndinotya kusangana nemadzangaradzimu Saka ndati ndiperekedze ndichiri kuona Ndinotya zvigara musango Zvine ruchiva Zvinorwerwa rute Zvidya vanhu usiku Zvifamba kwotonhorera Ndinotya kurumwa Ndinotya kubatwa-batwa Ndinotya kunaiwa neyembambara Ndinotya zvimvuramahwe Saka ndati ndiperekedze risati ragara gomo Ndinotya kugarwa matunduru Nekuputika nduru Sango ratiri isango rinoera Rinoda kuteurirwa Makwati akakwana Kuna nyakutumbura Kuti asazova manenji anoshura goho remunhu mupenyu Saka ndati ndiperekedze ndiende Makava asati owukura Vanamakwira miti vasati vashaiwa miti Vanamateedza rwizi vachiri vavete Chindiperekedza Kuitira ndisazomedza ndisina kutsenga Ndigodadisa nyakutumbura Achidya yechimanda Yandinodai kuchengetedza Saka ndati ndiperekedze ndiende Risati ravira.

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Image
GUEST POET: BRIAN KAZUNGU   Hama dzine moyo yakaipa kudai ndidzo chete dzatasara nadzo Dzingava hama dzeropa, dzeganda, dzechitendero kana dzezvenyika Chadzo kuda kuona isu tese tichitambura, pasina kana chedu chinopfakanyika Zvikaramba zvakadai, hapana kwatiri kuenda, irikuparara nyika Dzavo dzimba vanopfirira nekupfurunura dzavamwe Dzavo huni, matanda nembariro zvakavaka dzimba dzevamwe Chavo chikuwe, chimbo cherufu pamisha yevamwe Hapana chavo kana pasina chashaikwa nevamwe Kutambudzika kwedu, kwavari imhiko, vakatoita zvekupikira Chese chingatitambudza, nyangwe chikaita kure sei, vangatochifambira Havadi kuti isu vamwe tibudirire, vanoshuwira kutiona isu pasi tichiwira Vanofara kwazvo, kana isu vamwe tese tikashaya Nyadenga chaakatisikira Kana vaenda kumberi, hakuna anofanira kutevera Pavanocheuka, wese wavaona arikuda kuvapindira Kuita chavasina kufunga ivo, kutori kuvakanganisira Mukabatana pachenyu, kwavari ihondo, matovapanduki

Kusateerera kunoparira

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA Ndangoti rega nditaure Semunhu aswera asina kutaura Ko akubaira zanhi ndewako Zvenyika hazviperi muzukuru Chitamba wakachenjera nyika ine meno Anocheka kunge reza Kudya nyika rutivi hakuna kuipa Asi chenjera kubata panopisa Zveupesvu-pesvu nehunharadada Wobva wapfira chikomba Ndakasanga namukoma John Ko zvavangosara musoro chete Mazuva avo vachatemwa dzinobva ropa Vainzi vana Mr Harare Vachiapesanisa madhirezi Vakazodhumana nazvo Hanzi ndiri kutamba hujaya Vakatamba ndevakatamba kare Nyika ichakanaka Ko ivo mukoma Tapi Tapi Vaitamba kusvika kwayedza Vatete nevakobvu vachivachinjanisa Vaisateerera vakaerekana vatevera madzitateguru Zvino votapirira majuru vari pachuru Chekwavo kwaJuru Ndosaka ndati rega ndimbotaura Semunhu aswera asina kutaura Baba vangu vakati ziva, funga, ona Kusateerera kunoparira

Waenda Mtukudzi (Tribute to Tuku)

Image
GUEST POET: AUSTIN KARONGA Makati  V hunze  M oto, Ichokwadi nhasi matipisa ne V hunze  R emoto  S amanyanga. T odii nhai  N zou  S amanyanga zvamaenda? Nhasi misodzi inongove  M utserendende pamatama nemuhana dzedu, Nyadenga vatora  N zungu  I mwe Yavo, Vakutorai muchiimba rwiyo rwenyu ruya " H ear  M e  L ord" Imi mati  N dima  N dapedza,  N dasakura  N dazunza, Madambarefu makumi matanhatu nenhanhatu mumakore makumi matanhatu ne nhanhatu (66 Albums in 66 years,) S arawoga rikave damba refu renyu pamakasvitsa makore makumi matanhatu, Ko taizivei kuti pamakore makumi matanhatu nenhanhatu muchaenda musina kuoneka, Heya Hear Me Lord wakava munamato wakanonoka kutambirwa, Nekuti imi penyu mainge masakura Mazunza kare, Matisiya,  M atitsvata Samanyanga. Nhasi Zimbabwe  T abika  M bodza vaMutukudzi Tozvibvunza " Z vauya  S ei" T simba  I tsoka. Tirikumaona matsimba makumi matanhatu nenhanhatu, Heyo  N hava yeruzivo makaimba,

Pasi Rapinduka

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA Ndainge ndati ndamuwana Maruziva wekuziva Ko zvaainge akafanana NaMarujata wekuJakata Kwandakange ndakurira Aive nekazwi kakatetepera Kunge sadza remurwere Wanga usati wamuona achifamba iwe Aive nekano kachiuno kezingizi Kana ofamba ainge akadengezera hari Ine husvusvu hwamambo Ndakaita zvizuva ndichingomuyeva Kungomuti baa hana yobika manhanga Ngoma kurira Ndonge ndichazvivetera murume mukuru Ndakazoti rimwe zuva ndakoriwa nehwekwedu kwachirera nherera Ndikati nhasi ndokandira tsvimbo Chauya chauya Ndakamuti baa zvekare ndikabatwa nechadzimira Ndakarovera moyo kudombo ndokusvitsa shoko Zvikanzi wanonoka wataura Ndakazvirova dundundu Ndikati ndinombonzi aniko Ko ndaizivei Ndakabva ndati handichatora nguva Chiregai tingoonana pedu tega Akaita mazuva achitsika-tsika mwana wevanhu Izvo aitokwidza BP yangu Ndakazomuwanikidza ndikati nhasi hazvikoni Ndakabata chiso wanike churu zvacho Mwana anga akapoda

Munyika Muno Mese Makaroyiwa

Image
 GUEST POET: BRIAN KAZUNGU Munyika muno mese makaroyiwa Muroyi ne akaroyiwa, mese makaroyiwa Mufundisi, muporofita ne n’anga, mese makaroyiwa Mambo nemuranda mese makaroyiwa Muroyi nemhuri yake vese vane dambudziko Akaroyiwa nemhuri yake vese vane dambudziko Mufundisi, muporofita nen’anga yevanotambudzika, navowo vane dambudziko Mambo wevanotambudzika, nayewo ane dambudziko Mufundisi ne muporofita varikudya mundiro ye vanotambudzika N’anga iri kunwira mumukombe wevanotambudzika Mambo arikufuga machira evanotambudzika Muranda atoshaya kuti ndiani anogona kuti nhamo dzake dzimbo tapudzika Varikure nevakatikomberedza, vese, nesu vashamisika Kuti vanhu rudzii vanokwikwidzana kupanana kunetseka Pedze pedze vese vobva vararama hupenyu hunochemedza Chokwadi mambo navaranda venyika iyi, vese, vane hutera hunosekesa Kuenda mberi semhuri imwe mese matadza Hupfumi hwenyika, mambo nemachinda vasakadza Apa varanda nemhuri dzavo vachitandaza Mafu

High Rate

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA High rate! High rate! Ndivo mutauro Pakutamba mutambo weraramo Inongova high rate Kana yemumba ndotoishuva sendisakamboibata Tukomana tunoitora mudura Tugoishandura nekuitambisa njuga Pandinodawo kuibata Unongonzwa yangova High rate! High rate! Ndakati rimwe gore ndichashanda Ndigozoshevedzerawo High rate! Ndigoisandurawo Nekutamba nayo madiro aGeorgina Pandakapinzwawo mudura High rate ndokundibata nechepano parutivi Pedzisire ndini ndakange ndave high rate Zvikanzi kaviri chete padhora Zvakabva zvava zvikoni zvikoni Ndikaziva kuti yekwangu yakange yarova Kuibata rakange ratova shura muJerusarema Nekuti high rate akabereka dhora kaviri Dhora kaviri akabereka shura roputsa musha zvekare Sezitateguru high rate akarovesa yekwangu sendisakamboibata. 

Muti wekuziva

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA Hazvichashamisa Zano rapera Zvino iro tsime renhedzamutundo Muchakachenjedza muti usina zita Muti wekuziva Une muchero usingaedzwi munhu Waiva mudzi weraramo yerudzi Ndiwo wave muchakapedza vana Dai tairarama tisina Taiti pamwe kuda … Asi zvino nekuda Topera nechakapedza mbudzi Dapura hunanzva regaringiro rerufu Burutsa raramo gonhi remunhu wese Rave nyika rufu Kunakirwa kwerwendo rwekupedzisira Yave gangaidza mukwenyi wemhezi yavavira mumoyo Nhapura wada kutora kwegondo Rangova zienda nakuenda mupata wenhanga yaFari Kungoti zvazvo yangova bvekedza wada nhaka yemusiyiranwa Ivo vaiti vakati voita nemuitiro wevaiti Izvo zvikati zvonaka kupfuura kunaka Asi, kunongova kunakira rufu kwechakachenjedza Muti wekuziva.

Hana

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA Chokwadi tsindidzo haigari muhana mbiri Zvisinei nekohomedzo yandakakupa Handaiziva kuti uri chenzira Weromo risingamharwi nenhunzi Zvino zvandaivimba newe Iwe uri takura tiende Chitakura nhoro, mbudzi iri hata Taguta padare Anoridengezera serake Ko vakanzwa nani? Kana usiri iwe wandakaipakatisa Ukaerekana woidandaura nemutovo wako Zvaunoiramba Zvino vakaipakurirwa nani? Iyo yekuti ndakanga ndapedza mwana wamambo mafuta Uye kuti yechimanda ndakanga ndaipfuudza Kuda vakafungidzira Ko yekuponda? Kuda vakaronda Ko yekupomba zvese neyekupamba? Usandinyinurira manyada Ndinopedzisira ndakutuka zvinonyadzisa Nekuti haunyari kunyara nekunyadzisa kwakunoita.

Matavire

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA Chokwadi pasi hariguti Inongova nhapura wada kutora kwegondo Yave gangaidza mukwenyi wemhezi yavavira mumoyo Handaiziva kuti Matavire uchaita mawire Ukatisiya risati ravira Takafara tikatamba ako Mazwi aive akurungana Aive azere rwaamai rwakasvika Sembonga dzemabwe adziva Ako mazwi aiva mudya ndakasungwa Chidokohori mushonga wemavende Waiva negudziramukanwa rainyaradza kasvava Paya pawakati pane chichanditadzisa kupinda denga Handaiziva kuti kwaiva kuoneka kwako Uchizopedza ndokuti mangoma ngaatsve Asi nhamo inongova yeusavi Mureva idi Ukati dai vasivo vana amai Chokwadi, dai vasivo Dai usipo, uye dai uripo Nyangwezvo waisaona, kuona Waiona Waisaziva, kuziva Waiziva Waiva nhungamiri yevane meso Iwe usina Waive nhungamiri yevanoziva Iwe usingazivi Zorora murugare Chiremba werudo

Gejo

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA Kusvibira kwachainge chakaita Chibage chacho Haiwa! Chaidonhedzesa rute Pandakaona kutoterera Ndakanzwa manyezu nyakata Ndikati aiwa ndinotorinyudza chete Rekwangu gejo Ndakanyatsorodzera Hana ichirova nemufaro Ndikaona hore zvino yakanga yakunga Ndikaziva kuti yoda kuturuka Zvine uturu Ndakafemera pamusoro Kuzeza gombo Pfungwa nendangariro dzaiona pari patsaru Ndikati regai ndiurime ndega gore rino Ndigosakura nekudiridzira Kudyara sungano yeupenyu Paya pandakanga ndoda kuti kwengu Zvikanzi aiwa, kwete Kuri kuzeza gejo Ndakasekerera ndikati aiwa ndapawana patsaru Ndikati nhaka ndapinda basa rekugobora zvigutsa Ko paiva nechekumhanyira here Iro gombo raive rangu? Imwe pfungwa ikati wazvitangidzira Wadii wateedza mupata wakanyorovera zvireruke Ndakati fambei ndichidzika nechezasi kwemunda Ndokusvika nechepakati Ndikati ahaa! Pano ndopondotangira Ndakarinyudza zvine unyanzvi Ndakasunga shaya Nek

Sekuru Muzavazi

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA Sekuru Muzavazi Dondipaiwo uzavazi hwamunozavazira vamwe vazavazi Dondipaiwo kadiki kajekiseni kouzavazi Ndidovaza-vaza yokwangu minda yanzwa nekuradzwa Ndarangarira paya pamakarima chamainini Nyarai Chiya chibage chakanga chopfura mabvi Mainini Nyarai vakasekerera maurima wavo munda unenge purazi Ndiro gore rayanira zasi ikabudira kumusoro Amainini Nyarai vakakohwa kudya repachuru Nyamba paya pamaiti mai vasatevera nesadza Maitova nekumwe kudya Kudya kwenhauriraro Ndapota sekuru Muzavazi musazowanza kuwaza Vazukuru vangazopera nechakazavazira uzavazi

Ine zamu hairoorwe

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA Makwara uya uone iwe! Zvoita Shava yako iya Zvino yoshava nepakati Pakati-kati pevanhu Zvino yobudisa shavi rekushava Zvaririri shura rinototambidzisa munhu shereni Sharai! Idoshevedza mai Shuvai Vandionere shura reshavi reshava inoshava yakashama Neshuviro isina shumo Nyamba paya pawaishenaira-shenaira Waisada kuti ndione kushava kwako zvine ushasha Nhasi wandigumbura Une chokwadi Kushava nemudziyo wegarisano Wandakabvisira mashereni Mushure mekunge ndashanda kuShamva Ndichishungurudzika Nekushanyarika Zvekutotadza kuhushapira Chokwadi Ine zamu hairoorwe.