Bako Rine Nyoka
GUEST POET: BRIAN KAZUNGU Zvirinani dzinyorove mbatya dzawakashonga Pane kuhwanda mvura uchipinda mubako rine nyoka Shinga famba, famba shinga, kwauri kuenda unosvika Pavari usamira, vane moyo inenge mapako enyoka Igaroziva kuti muhupenyu mukutambudzika uchadzidza Asi usapotera kwavari, nokuti hwako hupenyu vakatoshamira kumedza Yako nhamo, kwavari muto, vanotoseva ne sadza Ukafara, kwavari irima, havachaone chinovadekadza Kugadzikana pavari, gara hako watotadza Nokuti chiripo ripotyo, vachakuruma ukatandaza Saka kubva pavari, pfumbura guruva kusvika kukuona vatadza Pavachazoziva kwawakaenda, newewo, matura emufaro unenge watozadza Varipo vane moyo inenge mapako enyoka, vakatoti farara nenyika Saka chenjera, ngwara, svinura, pepuka, usapinde mubako rinenyoka Usanyengedzwa nekwavo kusekerera, vakatoshamira kukumedza Vanorwadziwa kwazvo vakaona kuti iwe uri mhare, wakabengenuka Pese pawangoti baa kuvaona, pavari gara watotaramuka