Muti wekuziva

BY TENDAI KAMHUNGIRA

Hazvichashamisa
Zano rapera
Zvino iro tsime renhedzamutundo
Muchakachenjedza muti usina zita
Muti wekuziva
Une muchero usingaedzwi munhu
Waiva mudzi weraramo yerudzi
Ndiwo wave muchakapedza vana
Dai tairarama tisina
Taiti pamwe kuda …
Asi zvino nekuda
Topera nechakapedza mbudzi
Dapura hunanzva regaringiro rerufu
Burutsa raramo gonhi remunhu wese
Rave nyika rufu
Kunakirwa kwerwendo rwekupedzisira
Yave gangaidza mukwenyi wemhezi yavavira mumoyo
Nhapura wada kutora kwegondo
Rangova zienda nakuenda mupata wenhanga yaFari
Kungoti zvazvo yangova bvekedza wada nhaka yemusiyiranwa
Ivo vaiti vakati voita nemuitiro wevaiti
Izvo zvikati zvonaka kupfuura kunaka
Asi, kunongova kunakira rufu kwechakachenjedza

Muti wekuziva.

Comments

Popular posts from this blog

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Gejo

Nyika Ine Vanhu Vakawanda