Kusateerera kunoparira


BY TENDAI KAMHUNGIRA


Ndangoti rega nditaure
Semunhu aswera asina kutaura
Ko akubaira zanhi ndewako
Zvenyika hazviperi muzukuru
Chitamba wakachenjera nyika ine meno
Anocheka kunge reza
Kudya nyika rutivi hakuna kuipa
Asi chenjera kubata panopisa
Zveupesvu-pesvu nehunharadada
Wobva wapfira chikomba
Ndakasanga namukoma John
Ko zvavangosara musoro chete
Mazuva avo vachatemwa dzinobva ropa
Vainzi vana Mr Harare
Vachiapesanisa madhirezi
Vakazodhumana nazvo
Hanzi ndiri kutamba hujaya
Vakatamba ndevakatamba kare
Nyika ichakanaka
Ko ivo mukoma Tapi Tapi
Vaitamba kusvika kwayedza
Vatete nevakobvu vachivachinjanisa
Vaisateerera vakaerekana vatevera madzitateguru
Zvino votapirira majuru vari pachuru
Chekwavo kwaJuru
Ndosaka ndati rega ndimbotaura
Semunhu aswera asina kutaura
Baba vangu vakati ziva, funga, ona
Kusateerera kunoparira



Comments

Great advice my bro. Kusateerera kunoparira zvechokwadi.

Popular posts from this blog

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Gejo

Nyika Ine Vanhu Vakawanda