Posts

Showing posts from May, 2020

Corona Iwe!

Image
BY TENDAI KAMHUNGIRA Kungoti kudubu dhii Ndiye sarai Mukabika idyai Rwave rwiyo rwusina muvambi Iyo misodzi yongoti mokoto Pamatama serwizi  Rure rure yataitamba  Angova mariro Vanhu vorira Vorara vasina tariro yeramangwana Yangova kwati kwati mudzimba Kwave kungoteedzana nawo madziro Akadyiswa akange nani Ko kufamba kuzvideedzera rufu Aiziva hutsvina hunourayisa ndiyani Kwava kungogeza maoko saPirato Miromo nemhino tovhara sezvonyadzisa Imiwe vakafa havana chavakaona Ko zvavakatozorora wani Hehede!  Toseka nhamo kunge rugare Akaimba muimbi akati vachapihwa korona Zvino korona yacho zvayauya nemumwe mutowo Tochema takatarisa denga Tenge vanhu vanopenga Vakuru vanoti kuyisenga huyida Asi uyu mutoro warema Zano rapera Vana vevanhu vapera Kufamba kwacho chitundu musere musere Rwenge rusero rwavaroyi Kungokotsira munhu atove kuMalawi Risati ravira Wotonzwa mhere kwetsu Tongochema kuti kwedu kuno Dai Mwari matinz