Pasi Rapinduka
BY TENDAI KAMHUNGIRA
Maruziva wekuziva
Ko zvaainge akafanana
NaMarujata wekuJakata
Kwandakange ndakurira
Aive nekazwi kakatetepera
Kunge sadza remurwere
Wanga usati wamuona achifamba iwe
Aive nekano kachiuno kezingizi
Kana ofamba ainge akadengezera hari
Ine husvusvu hwamambo
Ndakaita zvizuva ndichingomuyeva
Kungomuti baa hana yobika manhanga
Ngoma kurira
Ndonge ndichazvivetera murume mukuru
Ndakazoti rimwe zuva ndakoriwa nehwekwedu
kwachirera nherera
Ndikati nhasi ndokandira tsvimbo
Chauya chauya
Ndakamuti baa zvekare ndikabatwa
nechadzimira
Ndakarovera moyo kudombo ndokusvitsa shoko
Zvikanzi wanonoka wataura
Ndakazvirova dundundu
Ndikati ndinombonzi aniko
Ko ndaizivei
Ndakabva ndati handichatora nguva
Chiregai tingoonana pedu tega
Akaita mazuva achitsika-tsika mwana wevanhu
Izvo aitokwidza BP yangu
Ndakazomuwanikidza ndikati nhasi hazvikoni
Ndakabata chiso wanike churu zvacho
Mwana anga akapoda zvake
Ipapo aingoti aiwa kani
Ndikati ndokuramba kwekuda zve uku
Ndikati regai ndishandise twangu
twumatricks
Twuya twekutenderedza mwana waJakarasi
musoro
Ko ndaishura mare ka ini
Ndakanobata musoro zvine kaukasha kazere
rudo
Wanike radzurika bvudzi
Ndini baa kutarisa chiso
Wanike ndiPaurosi
Gotwe raaSinyoro
Kakomana kaya kekurovera dhorobha
Ndakaziva kuti chokwadi pasi rapinduka
Comments