Pasi Rapinduka


BY TENDAI KAMHUNGIRA


Ndainge ndati ndamuwana
Maruziva wekuziva
Ko zvaainge akafanana
NaMarujata wekuJakata
Kwandakange ndakurira
Aive nekazwi kakatetepera
Kunge sadza remurwere
Wanga usati wamuona achifamba iwe
Aive nekano kachiuno kezingizi
Kana ofamba ainge akadengezera hari
Ine husvusvu hwamambo
Ndakaita zvizuva ndichingomuyeva
Kungomuti baa hana yobika manhanga
Ngoma kurira
Ndonge ndichazvivetera murume mukuru
Ndakazoti rimwe zuva ndakoriwa nehwekwedu kwachirera nherera
Ndikati nhasi ndokandira tsvimbo
Chauya chauya
Ndakamuti baa zvekare ndikabatwa nechadzimira
Ndakarovera moyo kudombo ndokusvitsa shoko
Zvikanzi wanonoka wataura
Ndakazvirova dundundu
Ndikati ndinombonzi aniko
Ko ndaizivei
Ndakabva ndati handichatora nguva
Chiregai tingoonana pedu tega
Akaita mazuva achitsika-tsika mwana wevanhu
Izvo aitokwidza BP yangu
Ndakazomuwanikidza ndikati nhasi hazvikoni
Ndakabata chiso wanike churu zvacho
Mwana anga akapoda zvake
Ipapo aingoti aiwa kani
Ndikati ndokuramba kwekuda zve uku
Ndikati regai ndishandise twangu twumatricks
Twuya twekutenderedza mwana waJakarasi musoro
Ko ndaishura mare ka ini
Ndakanobata musoro zvine kaukasha kazere rudo
Wanike radzurika bvudzi
Ndini baa kutarisa chiso
Wanike ndiPaurosi
Gotwe raaSinyoro
Kakomana kaya kekurovera dhorobha
Ndakaziva kuti chokwadi pasi rapinduka

Comments

Unknown said…
Chiruzevha chapera !!!!!! pasi rapinduka

Popular posts from this blog

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Gejo

Nyika Ine Vanhu Vakawanda