Corona Iwe!

BY TENDAI KAMHUNGIRA


Kungoti kudubu dhii
Ndiye sarai
Mukabika idyai
Rwave rwiyo rwusina muvambi
Iyo misodzi yongoti mokoto
Pamatama serwizi 
Rure rure yataitamba 
Angova mariro
Vanhu vorira
Vorara vasina tariro yeramangwana
Yangova kwati kwati mudzimba
Kwave kungoteedzana nawo madziro
Akadyiswa akange nani
Ko kufamba kuzvideedzera rufu
Aiziva hutsvina hunourayisa ndiyani
Kwava kungogeza maoko saPirato
Miromo nemhino tovhara sezvonyadzisa
Imiwe vakafa havana chavakaona
Ko zvavakatozorora wani
Hehede! 
Toseka nhamo kunge rugare
Akaimba muimbi akati vachapihwa korona
Zvino korona yacho zvayauya nemumwe mutowo
Tochema takatarisa denga
Tenge vanhu vanopenga
Vakuru vanoti kuyisenga huyida
Asi uyu mutoro warema
Zano rapera
Vana vevanhu vapera
Kufamba kwacho chitundu musere musere
Rwenge rusero rwavaroyi
Kungokotsira munhu atove kuMalawi
Risati ravira
Wotonzwa mhere kwetsu
Tongochema kuti kwedu kuno
Dai Mwari matinzwa
Kana iri misikanzwa taregedza
Munamato wonge mapiritsi
Tinzweiwo, tinokumbira mutinzwe

Comments

Dickson Bandera said…
Munodetemba boss, this is good
purplelens said…
I'm impressed senior. Manga makagarira chipo
kaysfamily said…
Thank you for the support

Popular posts from this blog

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Gejo

Nyika Ine Vanhu Vakawanda