Matavire


BY TENDAI KAMHUNGIRA

Chokwadi pasi hariguti
Inongova nhapura wada kutora kwegondo
Yave gangaidza mukwenyi wemhezi yavavira mumoyo
Handaiziva kuti Matavire uchaita mawire
Ukatisiya risati ravira
Takafara tikatamba ako
Mazwi aive akurungana
Aive azere rwaamai rwakasvika
Sembonga dzemabwe adziva
Ako mazwi aiva mudya ndakasungwa
Chidokohori mushonga wemavende
Waiva negudziramukanwa rainyaradza kasvava
Paya pawakati pane chichanditadzisa kupinda denga
Handaiziva kuti kwaiva kuoneka kwako
Uchizopedza ndokuti mangoma ngaatsve
Asi nhamo inongova yeusavi
Mureva idi
Ukati dai vasivo vana amai
Chokwadi, dai vasivo
Dai usipo, uye dai uripo
Nyangwezvo waisaona, kuona
Waiona
Waisaziva, kuziva
Waiziva
Waiva nhungamiri yevane meso
Iwe usina
Waive nhungamiri yevanoziva
Iwe usingazivi
Zorora murugare
Chiremba werudo

Comments

Popular posts from this blog

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Gejo

Nyika Ine Vanhu Vakawanda