Nyika Ine Vanhu Vakawanda


GUEST POET: BRIAN KAZUNGU


Chokwadi tingati here makawanda, kana paine vanoti vakafamba imi mese munohwanda
Tingati here makawanda, kana paine vanoti vakataura nyangwe chakaipa hapana anoramba
Chokwadi munganzi here makawanda kana paine vanokudyirai mugove wezvese zvamakashanda
Aiwa, kana vazhinji munyika vari zvimbwasungata zvevamwe, hatingamboti makawanda

Nyangwe vari vashoma, nyika inonzi ine vanhu vakawanda kana pamwechete vaine chavanovaka
Asi tinoti ine vanhu vashoma, kana nyika izere vanotambudzana kusvika pakuparadza zvakavakwa
Nyika inonzi ine vanhu vakawanda, kana ivo vachibatana pakuita zvinhu zvakanaka
Asi tinoti ine vanhu vashoma, kana iine zviuru ne zviuru zvinotadzisa vamwe kugara zvakanaka

Kana vanhu vazhinji munyika vachigara vari mimvuri yevamwe, ivavo tinovatora se sevasipo
Iko kufambidzana ne vanhu vasipo muhupenyu hwavo pachavo, kunotosvora maziso se sipo
Nokuti kwese kwamaenda vanoswero kudzimaidzai, mukashaya chabuda kunge musina kana zvipo
Tinoti nyika ine vanhu vakawanda, nyangwe iine vashoma, kana mumwe nemumwe pachake aripo

Tinoti ine vanhu vakawanda, nyika yekuti uyo ne uyo ndiye hake pachake nyangwe paanofamba
Nyangwe vari zana revanhu, vakatowanda kudarika zviuru zvevane pfungwa dzakapambwa
Tinoti ine vanhu vakawanda nyika kana mumwe nemumwe wavo ari iye hake zvake pachake
Asi vanenge vari vashoma muuzhinji hwavo kana uyo ne uyo asimo muhupenyu hwake pachake

Hatingamboti nyika ine vanhu vakawanda, kana huzhinji hwavo husina zvahunoshanda
Kuti tiverengedze uyo ne uyo vanehuvepo hwakamedzwa nevamwe, kwatiri zvaramba
Zviri nani kufamba zvishoma zvishoma sa kamba asi iwe uchienda kwako kwawakananga
Pane kuchimbidza kufambidzana ne uyo akakupamba pfungwa asi iye musango achinokukanda

Haupo muhupenyu hwako pachako, kana uchingoraramira vamwe vausingatozive kwavakananga
Hatingambokuverenga paruzhinji rwevanhu, kana kuva iwe pachako muhupenyu hwako zvichiramba
Ukawana chako chaunoita chinonzi ichi ndechake, hazvireve kuti mavakuita mazvake mazvake
Asi zvinoreva kuti newewo uri munhu anoverengwawo panevamwe munyika ine vanhu vakawanda




Comments

Popular posts from this blog

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Gejo