Nyika Ine Vanhu Vakawanda
GUEST POET: BRIAN KAZUNGU
Tingati here makawanda, kana paine vanoti
vakataura nyangwe chakaipa hapana anoramba
Chokwadi munganzi here makawanda kana paine
vanokudyirai mugove wezvese zvamakashanda
Aiwa, kana vazhinji munyika vari
zvimbwasungata zvevamwe, hatingamboti makawanda
Nyangwe vari vashoma, nyika inonzi ine
vanhu vakawanda kana pamwechete vaine chavanovaka
Asi tinoti ine vanhu vashoma, kana nyika
izere vanotambudzana kusvika pakuparadza zvakavakwa
Nyika inonzi ine vanhu vakawanda, kana ivo
vachibatana pakuita zvinhu zvakanaka
Asi tinoti ine vanhu vashoma, kana iine
zviuru ne zviuru zvinotadzisa vamwe kugara zvakanaka
Kana vanhu vazhinji munyika vachigara vari
mimvuri yevamwe, ivavo tinovatora se sevasipo
Iko kufambidzana ne vanhu vasipo muhupenyu
hwavo pachavo, kunotosvora maziso se sipo
Nokuti kwese kwamaenda vanoswero
kudzimaidzai, mukashaya chabuda kunge musina kana zvipo
Tinoti nyika ine vanhu vakawanda, nyangwe
iine vashoma, kana mumwe nemumwe pachake aripo
Tinoti ine vanhu vakawanda, nyika yekuti
uyo ne uyo ndiye hake pachake nyangwe paanofamba
Nyangwe vari zana revanhu, vakatowanda
kudarika zviuru zvevane pfungwa dzakapambwa
Tinoti ine vanhu vakawanda nyika kana mumwe
nemumwe wavo ari iye hake zvake pachake
Asi vanenge vari vashoma muuzhinji hwavo
kana uyo ne uyo asimo muhupenyu hwake pachake
Hatingamboti nyika ine vanhu vakawanda,
kana huzhinji hwavo husina zvahunoshanda
Kuti tiverengedze uyo ne uyo vanehuvepo
hwakamedzwa nevamwe, kwatiri zvaramba
Zviri nani kufamba zvishoma zvishoma sa
kamba asi iwe uchienda kwako kwawakananga
Pane kuchimbidza kufambidzana ne uyo
akakupamba pfungwa asi iye musango achinokukanda
Haupo muhupenyu hwako pachako, kana uchingoraramira
vamwe vausingatozive kwavakananga
Hatingambokuverenga paruzhinji rwevanhu,
kana kuva iwe pachako muhupenyu hwako zvichiramba
Ukawana chako chaunoita chinonzi ichi
ndechake, hazvireve kuti mavakuita mazvake mazvake
Asi zvinoreva kuti newewo uri munhu
anoverengwawo panevamwe munyika ine vanhu vakawanda
Comments