Kurume
Mhosva yako, yaiva dikisa
Kakange kavaona vachiseva,
Karume kadiki
Mushure meJenaguru
Machi achitonwa zvake chapomba
Zviya zvekuraudzira mwedzi mitatu,
Mheterwa payakakwezva pakabuda mupururu
Kusweramangwana acho,
Mudunhukadzi
Dhuku naHuku vaivepowo
Sehuku yanaiwa vakakakava-kava
Ko kaive Kagavamwedzizve,
Kasingazive kana dombwe.
Comments