Kurume


GUEST POET: KELVIN BENJAMIN



Mhosva yako, yaiva dikisa
Kakange kavaona vachiseva,
Karume kadiki

Mushure meJenaguru
Machi achitonwa zvake chapomba
Zviya zvekuraudzira mwedzi mitatu,
Mheterwa payakakwezva pakabuda mupururu

Kusweramangwana acho,
Mudunhukadzi
Dhuku naHuku vaivepowo
Sehuku yanaiwa vakakakava-kava
Ko kaive Kagavamwedzizve,
Kasingazive kana dombwe.







Comments

Popular posts from this blog

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Gejo

Nyika Ine Vanhu Vakawanda