Dziregei dziende


BY TENDAI KAMHUNGIRA

Dziregei dziende
Dziregei dzibude
Dzinosva hadzo dzabuda
Ndapota!
Mukaona dzabuda musadzidzorera
Kuda mungasoresva kudzorera
Dzikava dzakatamba nepwere
Kubuda kwadzo ndihwo husvinu hwadzo
Vazhinji vane dzakabuda
Asi dzakabudisa zvisvinu
Saka ndati dziregei dziende
Regai dzibude
Kana dzabudira zviripo
Dzakambobuda paya dzekusvinuka
Ndokusungwa
Zvino nhasi dzabudazve
Asi ndati dziregei dziende
Dziregei dzibude
Ndaimbozvireva muchivere-vere
Asi nhasi ndozvireva pachena
Ndianiko mambo anotonga akafuratira
Ane munondo unobaya pasipo
Anodya chebanga
Achitonga nepfumo
Nhasi ndozvireva
Saka ndati regai dziende
Regai dzibude
Ndianiko akati Chivaura haaveurwe
Akati Mararike akarereka
Akati ngirozi huru yaMwari inonzi Gabriel
Akati Marechera aipenga
Koi ye anoziva kupenga kweumwe
Asingaoni kupenga kwake ndiani?
Saka ndati dziregei dziende

Dziregei dzibude.

Comments

Popular posts from this blog

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Gejo

Nyika Ine Vanhu Vakawanda