Fungira mumoyo


BY TENDAI KAMHUNGIRA



Zvaritori dambe
Dai ndaisave
Ndaiti musazove
Itori swerakuenda 
Mukwasha wezuva
Ko ndiani anoziva 
Zvandinoziva
Ko anofunga 
Zvandinofunga
Ko kuona
Zvandinoona
Kana kunzwa
Zvandinonzwa
Nyangwe ukaziva 
Zvandinoziva
Kana kufunga 
Zvandinofunga
Kana kuona 
Zvandinoona
Haungazvizivi
Kana kuzvifunga
Haungaoni
Kana kuzvinzwa
Ko ini ndini
Iwe ndiwe
Maziviro anosiyana
Mafungiro anosiyana
Maonero anosiyana
Manzwiro anosiyana
Ifungira mumoyo rwendo rwembwa


Comments

Popular posts from this blog

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Gejo

Nyika Ine Vanhu Vakawanda