Fungira mumoyo
BY TENDAI KAMHUNGIRA
Zvaritori dambe
Dai ndaisave
Ndaiti musazove
Itori
swerakuenda
Mukwasha wezuva
Ko ndiani
anoziva
Zvandinoziva
Ko anofunga
Zvandinofunga
Ko kuona
Zvandinoona
Kana kunzwa
Zvandinonzwa
Nyangwe
ukaziva
Zvandinoziva
Kana kufunga
Zvandinofunga
Kana kuona
Zvandinoona
Haungazvizivi
Kana kuzvifunga
Haungaoni
Kana kuzvinzwa
Ko ini ndini
Iwe ndiwe
Maziviro anosiyana
Mafungiro anosiyana
Maonero anosiyana
Manzwiro anosiyana
Ifungira mumoyo
rwendo rwembwa
Comments