Mandivhaidze




BY TENDAI KAMHUNGIRA


Zvinhu izvi zvinonaka
Izvi ka izvi
Sekuru ndozvakavaendesa
Ko vaimbogara pamba here
Vaiti risati rabuda vatovako
Vakutorova zvavo pachikuru
Sare vazukuru vongobvunza
Ko ngano dzanga dzichataurwa nani
Ndakura nazvo izvi 
Wainzwa vovhaira
Sehari inofashaira
Vaizoti vadzoka
Vonzwa voti zvinhu izvi zvinonaka
Izvi ka izvi
Kana muchiti ndiri kunyepa
Bvunzai mbuya vaMika
Ndivoka vekuravidza muzukuru waJoro
Akabva angoti gotsi papata
Raingoti ravira chete
Otorova nhetserwa akananga ikoko
Pandakangozvinzwa
Ndakazomubvunza 
Ndikati zvawava chandagwinyira
Chikwekwe chaicho
Ko akanga achanzwa here
Akatozopedzisira okwira bhazi
Akananga Kwekwe
Aingoti akati kwee kwee
Ndiye gada nemanhede
Otoshevedzera yake nhekwe
Ndakazomuti kwete
Akati havi yangu haipere
Ndikati inyota rudzii
Inoita seyepwere
Wavekutopepereka nenyika
Nekukara 
Wave kutoisa ura padanda
Nekuda hwematanda
Munhu akakura achingodya matamba
Akati ko doro ndimandivhaidze
Zvasekuru vangu zvanga zvamubata

Comments

Popular posts from this blog

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Gejo

Nyika Ine Vanhu Vakawanda