Chaora


GUEST POET: KELVIN BENJAMIN


Takazoisa musoro pamwe rave zuva retatu
Sorojena ainge asara ungamuwane?
Vamwe vaiti ainge oita madanha
Vamwe vakati zvirevereve

Pachokwadi chainge chobuda honye
Mvura yoerera
Takaramba tiripo
Magumo azvo ainge ave pedyo

Ndopakazouya nhunzi,
Aisava oga
Nevemakobvu machira  
Vekumabvazuva
Nedzemumvura
Vatorwa vakauya naye
Akadzungudza musoro Sorojena uya
Ndiye akatanga kuona nhunzi

Comments

Popular posts from this blog

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Gejo

Nyika Ine Vanhu Vakawanda