Chaora
GUEST POET: KELVIN BENJAMIN
Takazoisa
musoro pamwe rave zuva retatu
Sorojena ainge asara ungamuwane?
Vamwe vaiti ainge oita madanha
Vamwe vakati zvirevereve
Pachokwadi chainge chobuda honye
Mvura yoerera
Takaramba tiripo
Magumo azvo ainge ave pedyo
Ndopakazouya nhunzi,
Aisava oga
Nevemakobvu machira
Vekumabvazuva
Nedzemumvura
Vatorwa vakauya naye
Akadzungudza musoro Sorojena uya
Ndiye akatanga kuona nhunzi
Comments