Dzemvura
GUEST POET: KELVIN BENJAMIN
Dzainge dzamukaka
Kumuita mbiradzakondo chaiko
Kunyemwerera kwaisava kwenhamo
Aida kuti mose muzvione
Ainge okwikwidza
Gwenyambira
Chipfuva achifamba achirova
Hapana aimurova
Hana kana kurova
Ko aigotyei, kunze kwekutotyawo
Mukuridza mbira, vaiuya vanaKondo
Mapondo ekurudziro vaimupa
Ova manyawi ka
Dzoro achigutsurura
Nginde nginde nginde
Vaishevedzana
Vochidzana
Zvomuyeuchidza mabhii
Onyemwerera
Comments