Dzemvura


GUEST POET: KELVIN BENJAMIN
Dzainge dzamukaka
Kumuita mbiradzakondo chaiko
Kunyemwerera kwaisava kwenhamo
Aida kuti mose muzvione

Ainge okwikwidza
Gwenyambira
Chipfuva achifamba achirova
Hapana aimurova
Hana kana kurova
Ko aigotyei, kunze kwekutotyawo

Mukuridza mbira, vaiuya vanaKondo
Mapondo ekurudziro vaimupa
Ova manyawi ka
Dzoro achigutsurura
Nginde nginde nginde
Vaishevedzana
Vochidzana
Zvomuyeuchidza mabhii
Onyemwerera

Comments

Popular posts from this blog

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Gejo

Nyika Ine Vanhu Vakawanda