Mjolo

By Tendai Kamhungira


Ko ndaizivei, kusvinudzwa hakuna ndakura

Vanongokuvhevhetedza vokusiya wagunduruka

Chava chirungu mufunge

Zvakare zviya zvasara


Hanzi wava kunzi mujolo

Ko ini ndanga ndichakaputirwa nechiSolo naMutsai

Ko ndazivei kuti pasi rapinduka

Yangove hello hello

Munhu otoshandurwa pfungwa

Wekare nezvakare zvasara, hanzi kudhara ikoko

Kuzoti ko nhai mwanasikana tiri papi

Hanzi papi pawakandiisa

Anenge zvino atorwa nembinga dzeHarare

Vagara muHarare havarare

Havarare musi wavamuka

Asi ukaona vamuka woziva kuti zvaendwa

Kuenda chaiko, chizvino zvino

Haa mazino wangu

Mari ndiyo yotonga, zvaMwari chaizvo

Kutotenda wapinda musvitsa tsvene

Wapinda, kubuda mahara

Imiwe vakafa havana chavakaona

Asizve regai vazorore

Nekuti kufa kuzorora

 

Comments

Popular posts from this blog

Hama Dzine Moyo Yakaipa Kudai

Gejo

Nyika Ine Vanhu Vakawanda